Intimate Narratives
Kuti score
Kunze kwaipa uku chenjera
Chenjera mwana'ngu
Kana uri mumwe
Tora chituru gara nepapapa
Chirega kuterera blubber
Hwukasviba hutano haishande rubber
Usagaye ndiri kuchengera, chenjera
Ngwarira zvavanokutengera
Mwanangu usaite semudzanga
Kuno yakarumwa, uko inobuda hutsi
Wazvinzwa ka
Hakuna chitsva chandisati ndaona
Zvekupisa hausiwe wazvitanga
Hausati wapisa mwanangu
Ukacheaper unoworera munhanga
Zviri nani kunzi wakasara haisi mhaka
Mukurarama haikona kuva wekuperekedza
Tarisa kwawabva nyatsocherechedza
Madzisahwira anokunyengetedza
Nyamba vaine pfuma yavakachengetedza
Ndokusaka vachikupa hove
Chirauro vakaviga muhomwe
Pavanotsvaga pfuma hauwone
Rudo rwaita ndishaure
Mwanangu usaite semudzanga
Kuno yakarumwa, uko inobuda hutsi
Wazvinzwa ka
Hakuna chitsva chandisati ndaona
Zvekupisa hausiwe wazvitanga
Hausati wapisa mwanangu
Ukacheaper unoworera munhanga
Zviri nani kunzi wakasara haisi mhaka
Kurarama kwakanaka kunokunda mhemberero
Ukaita hupenyu hwenhangemutange
Ziso rinotsvuka kunge hweshero
Pasi panodya, ivhu harigute
Vanokufutsira kunge rukuvhute
Chipangamazano ndini
Mwana'ngu usaite semudzanga
Chirega kuterera blubber
Hwukasviba hutano haishande rubber
Usagaye ndiri kuchengera, chenjera
Ngwarira zvavanokutengera
Haikona kupa madzisahwira mhosva
Dzimwe njodzi unozvikokera wega
Haikona kupa madzisahwira mhosva
Kujuruja mwena wejuru unorumwa wega
Chinzwa mwana'ngu
Mukurarama haikona kuva wekuperekedza
Tarisa kwawabva nyatsocherechedza
Madzisahwira anokunyengetedza
Nyamba vaine pfuma yavakachengetedza
Ndokusaka vachikupa hove
Chirauro vakaviga muhomwe
Pavanotsvaga pfuma hauwone
Rudo rwaita ndishaure
Chirega kuterera blubber
Hwukasviba hutano haishande rubber
Usagaye ndiri kuchengera, chenjera
Ngwarira zvavanokutengera
Haikona kupa madzisahwira mhosva
Haikona kupa madzisahwira mhosva